Song of Solomon 1

1Rwiyo Rukuru rwaSoromoni:

Mukadzi

2Ngaanditsvode hake nokutsvoda kwomuromo wake.
Nokuti rudo rwako runofadza kupfuura waini.
3Kunhuhwirira kwamafuta enyu kunofadza;
zita renyu rakafanana namafuta anonhuwirira adururwa.
Hazvishamisi kuti mhandara dzinokudai!
4Nditorei muende neni, ngatikurumidzei.
Mambo ngaandipinze mudzimba dzake dzomukati.
Shamwari

Tinokupembererai uye tinokufarirai;
ticharumbidza rudo rwenyu kupfuura waini.
Mukadzi

Regai zvenyu mhandara dzikudei!

5Kusviba ndakasviba zvangu, asi ndakanaka hangu,
vanasikana veJerusarema,
ndakasviba samatende eKedhari,
sezvidzitiro zvetende raSoromoni.
6Musanditarisisa nokuda kwoutema hwangu,
nokuti ndakasvibiswa nezuva.
Vanakomana vamai vangu vakanditsamwira
vakandiita kuti ndichengete minda yemizambiringa;
munda wangu chaiwo wemizambiringa ndakaushayira nguva.
7Ndiudze, iwe mudiwa wangu, kwaunofudzira makwai ako
nokwaunozorodzera makwai ako masikati.
Ko, ndichaitirei somukadzi akafukidza chiso chake
pedyo namakwai eshamwari dzako?
Shamwari

8Kana usingazivi, iwe mukadzi akanaka kukunda vamwe,
chitevera makwara amakwai
ugondofudzira mbudzana dzako
pedyo namatende avafudzi.
Murume

9Ndinokufananidza, iwe mudiwa wangu, nebhiza rakasungwa
pane imwe yengoro dzaFaro.
10Matama ako akashongedzwa zvakanaka nemhete,
mutsipa wako nezvuma zvamatombo anokosha.
11Tichakugadzirira mhete
dzenzeve dzegoridhe nesirivha.
Mukadzi

12Mambo paakanga agere patafura yake,
munhuwi wamafuta andainge ndazora wakapararira.
13Mudiwa wangu, kwandiri akaita sakahomwe kemura
kanogara pakati pamazamu angu.
14Mudiwa wangu, kwandiri akaita sesumbu ramaruva machena
anobva mubindu remizambiringa yeEni Gedhi.
Murume

15Kunaka here kwawakaita uku, mudiwa wangu!
A-a, wakazonaka!
Meso ako injiva chaidzo!
Mukadzi

16Wakanaka sei, mudiwa wangu!
A-a, unofadza!
Uye mubhedha wedu wakasvibira.
Murume

17Nhungo dzeimba yedu ndedzomusidhari;
mbariro dzacho ndedzomupaini.
Copyright information for SnaBDSC